Mazwi anoti chouviri kana uviri riri kushandiswa pano kutaura zviwanikwa zvakadai sendarama, ngoda, nzizi, michero zvirimo munyika zvekuti vanhu vanokwanisa kukohwa kubva pazviri vachishandisa - apa kureva chinonzi resources muChirungu. Nekumwe kutaura tinokwanisa kuti zviwanikwa. Nokumwe kutaura shoko rokuti chouviri rinoshanda kuturikira panoda kunzi resources - apa chouviri chiri chiro chinobatsira munhu kugona kuzviraramisa achiwana kudya, mbatya neimba yekugara.

Izwi rokuti kuvirika kana kuirika rinoreva kuwedzera pane zvisina kuzara kuti zvisvike pakuzara. Mwero uyu wezvinhu zvinowedzerwa kusvika pakuzara unonzi mhiriko. Chouviri zvinoreva chiro chiripo chokuti munhu anopota achinokora, kutanha, kana kuwana mamwe mabatiro nacho kuti ararame. Izwi rokuti mhirimo rinoshandiswa kureva hari inotakurirwa doro kubva pamabiko panga pane doro zhinji. Aya ndiwo mashandiro echinonzi resource, chinenge chiri chiro chinokwanisika kunoshandiswa kumwe. Nokudaro mazwi anotodzana aya anenge ndiwo akafanira kuturikira chinonzi resource kuEnglish.

Kurerutsa Mutauro

Nyika yeZimbabwe yakashongedzwa (is resourced) nemhirimo zhinji dzinosanganisira: ngoda; platinum; marasha; nzizi; mapopoma; ivhu rekurima; mhuka dzesango zvichingodaro.

Mitauro yeBantu