Shoko rokuti dhaga rinoreva ivhu ratinotsika tichifamba, rinova ndiro rinomera mbeu, miti nemadzinde akasiyana-siyana. Dhaga rinowanikwa riine ruvara rwakasiyana munzvimbo dzakasiyana; kune jecha, gova, shapa, munyakwe, zvichingodaro. Mumatunhu eDomboshava neMazowe munowanikwa ivhu dzvuku rinonzi gova kana kuti katondo.


Zvakaworera muvhu zvinobva pamadzinde semashizha nemakwati akaworera zvinodanwa kunzi mutsakwani kana matsakwani - humus.

Mhando dzevhu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Munyakwe

Gukuravhu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti gukuravhu (soil erosion) rinoreva kutakurwa kwevhu kubva panzvimbo pari richikukurwa nemvura yekunaya kana nemhepo. Gukuravhu rinokonzera kuti nzizi nehova dzizare nevhu dzichigumisidza dzapwa sezvakaita rwizi Save mune dzimwe nzvimbo.

Kurerutsa Mutauro

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeAfrika

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]