Dovi (Peanut butter) kudya kunogadzirwa nenzungu dzinokangwa, dzigotwiwa nekukuyiwa. Mushure mokunge nzungu dzakangwa dzaipukutwa kubvisa marara dzogopepetwa marara achienda nemhepo.


Zvadai nzungu dzadzvurwa muduri dzichipwanyiwa kugadzirira kukuyiwa kuita dovi. Nzungu dzadzvurwa dzaizokuyiwa paguyo nehuyo.

Dovi rinoshandiswa zvakawanda kusanganisira kubikisa muriwo, nyama, chimukuyu, bota, mupunga uye kuzora pachingwa.

Nhemba (calabash with wide mouth used as a dish) iguchu rine muromo mukuru rinoshandiswa sedhishi kana kubangira dovi.

Tsika

Mitauro yeBantu

stew[1])