Dzinza (Chingezi: Line of descent, Tribe, Clan, Stock, Nation, a family) iboka revanhu vane tateguru wechirume mumwe kana madzitatetguru ane ukama nemutupo umwe. Vatauri vechiManyika vanodana zita redzinza kuti matumbwa. Dzinza rinomutswa nemwana mukomana wemhuri ndiye ega anogona kuzvara mwana ane mutupo wakafanana newake. KuchiShona mwanasikana kazhinji anoroorwa nemunhu ane mutupo wakasiyana; achinge aroorwa vana vaanozvara vanonzi ndevedzinza remurume akamuroora, baba vevana.

Mune dzimwe nhambo izwi rokuti dzinza rinoreva zvimwe nechinonzi rudzi or nation kuEnglish. Bhaibheri reChiNdau rinoshandisa izwi rokuti dzinza kuturikira nation.

Mamwe Mazwi

Kurerutsa Mutauro

Mitauro ye Chibantu

Tarisai futi: