Isaac Newton

VaSir Isaac Newton (4 Ndira 1643 – 31 Kurume 1727) vaiva scientist nephilosopher vane mukurumbira vaibva kuEngland.

Zviitwa zvikuru

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muchidzidzo chemasvomhu, vaNewton vakawedzera zvikuru, ruzivo rwedu rwemasvomhu. Nharaunda dzavakabetsera kuwedzera ruzivo dzinosanganisira zvese mukubva mukarikurasi (calculus), pimanzvimbo nealgebra. Pamwe chete naGottfried Wilhelm Leibni zvakabatsira kuumba ruzivo rwedu rwekarikurasi - nyangwe vakashanda vakazvimiririra. Muchidzidzo chefundoyetsimba, vaNewton vakawanikidza kuti chiedza chichena hachisi cheruvara rimwe asi chakagadzirwa nemavara avakapa zita rekuti ma"primary colours" (mavara ekutanga). "Experimentum crucis" yavo inehumbowo hwedudzirazivo (theory) yavo yekugadzirwa kwechiedza murutsaudzo runoitika kana chiedza chichipfuura nemuzhumwi.

Mukudzidza kwekukuhamba (motion), mabhuku aNewton, "Philosophiæ Naturalis Principia Mathematica", akakosha zvikuru mufundoyetsimba yanhasi. Bhuku rekutanga mumabhuku acho rinopa uye rinotsanangura Mitemo yeruhambo yaNewton (motion) inganyorwa sezvizvi:




Kurerutsa Mutauro

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]