Shoko rokuti kuzvimba (swelling) rinotaura kufutira kunze kunoita muviri zvikurusei kana munhu arohwa, adhumira, akuvara, zvichingodaro.
Kuserera zvinoreva kudzokera pamwero wakanaka kwenyama dzana dzakambozvimba.
- -kuta (Swell as dough does, 2. Become angry). Akakuta kumeso: his face is swollen.
- Mazvimbiswa (easily swollen) kureva kusatana kuzvimba muviri.
- VaSwahili neVaNgala vanoti vimba (swell, swell up, expand, be swollen) kureva kuzvimba.
- VaSwahili vanoti kivimbe (1. swelling, tumor, 2. girth, circumference).
- VaSwahili vanoti jivimbisha (caus-refl. overeat).
- Baila vanoti ku zhimba (to swell) vachireva kuzvimba.