Mbambaira kana mabura (Sweet potatoes) idzinde rinobereka midzi inobumba pasi pevhu.

Vamwe vatauri vanoti mabura kana kuti madima. Mbambaira netsenza dzinorimirwa muhomba kana kuti mhani

Kubika Mbambaira

Mbambaira dzinobikwa nemvura pamoto dzichifashaidzwa kwechinguva, kana kuti dzinogochwa mumazimbe emoto. Vazhinji vanotanga vabvisa makanda vasati vadya asi kune vamwe vanodya nemakanda adzo. Vamwewo ndivo vanodya dzisina kubikwa.

Mitauro yeBantu