Muboora (pumpkin leaves) muriwo unobikwa mashizha emuti unobereka manhanga. Vanobika muboora vanotanha mashizha matete anowanikwa kumuromo kunoperera madzinde remuti uwu. Muboora unobikwa kuchishandiswa soda, izvi zvichibatsira kuti muriwo wacho upfave pakutsenga mukanwa. Vakare vainyanya kushandisa hundi kana kuti mutyora pakubika muboora. Vamwewo vanorunga nedovi, izvi zvichiita kuti muriwo uwu uve nokuzipa kwepamusoro. Vamwewo vanotanha maruva emuti uwu vachibika pamwe nemashizha matete emuboora. Muriwo wemuboora unorimwa kazhinji muminda yakarimwa chibage; muti mumwe unodyiwa muboora ndiwo unokohwewa manhanga.

Mamwe Mazwi

Mitauro yeBantu