Tarisai futi peji re: Rudzi rweVarungu

Varungu

Izwi rokuti Varungu, vazungu, makiwa kana Varumbi (Whiteman, European, Caucasian) rinoshandiswa kududza munhu ane ganda jena anobva kunyika dziri kuYuropu kana ane madzitateguru akabva kudunhu iri. Varungu vanowanikwawo kuRhashiya inova nyika ine chimwe chikamu chiri muEzhiya chimwe muYuropu.

Rudzi rweVarungu rwakapambira Pasirose munguva yokupamba kwavakaita Afurika, Maodzanyemba eAmerika, Chemhembe cheAmerika, Ostireriya neNyuzirandi.

Mutauro wekuEngland unonzi English, asi isu toti Chingezi. Shoko rokuti chingezi rinotaurawo pamusoro petsika dzeMangezi, nokumwe kutaura tori Chirungu kana Chirumbi.

Zita

Shoko rekuti murungu kana muzungu raishandiswa neVashona kureva vanhu vekumwe.

Kuvamwe vaBantu izita reMwari pakati pevanhu vanobva kuMabvazuva ne Pakati peAfurika asi rinonyorwa se Mulungu, Vaswahiri vanoti Mungu.[1]

Zvirevo

Mitauro yeBantu

Mabviro eruzivo

  1. "Archive copy". Archived from the original on 2021-10-29. Retrieved 2021-10-29.