Zuva
Zuva pamusoro pemakore

Zuva (chikwangwani: ☉; Chirungu: Sun) kana zuwa muzvidzidzo zvinoti: taranyika; jekanyika; fundoyetsimba; Zvechadenga, zuva imhando yenyenyedzi iri pakati peGumbapamwe reMushana. Zuva rine hujoto hwakakwira zvokuti mbato irimo inoshanduka kubva pakuva mwando unopisisa kuenda pakuva inonzi plasma muchirungu. Plasma imhando yomusandu ine mwando unopisa zvakanyanya zvokuti maatomu anoshanduka kuva maayoni.

Pimadanho reZuva rine nhambwe yakareva 1,392,000 km, zvichireva kuti zuva akakura zvakapetwa ka 109 kana richienzaniswa neRinopasi.

Kudzikatirwa kwezuva (Eclipse of the Sun) kunoitika kana mwedzi uri pakati pezuva nerinopasi zvose zvakanangana zviri pamutsetse wakati twasa. Chinoitika ndechekuti mirazvo yezuva inodzikatidzwa nemwedzi yotadza kusvika panyika pane Rinopasi. Nzvimbo dzinenge dzaitika izvi dzinoita rima kunze kugotanga kutonhorera, shiri dzoenda kunovata dzichiti kwadoka.

Kurerutsa Mutauro

Mitauro yeAfrika

Mufananidzo wetsananguro weZuva