Mwana weChikoro achinyora
Kugwarwa kweTorah neMugwari (Scribing Torah by a Scriber)

Kunyora (Chingezi: to write; writing) kana kugwara uye kubhara chiito chekurhekodha mutauro pachiratidziro uchishandisa seti bumbiro re mabhii. Mabhii anofanhira kunge achizivikanwa nevamwe kuti akwanise kuverengwa.

Chinyorwa (text) runogonawo kushandisa mamwe masistimu ekuona, senge mailustresheni ne mashongedzo. Izvi hazvidanwi kunzi kunyora, asi zvinogona kubatsira kushanda kwe meseji. Kazhinji, vanhu vose vakadzidza munyika vanoshandisa nzira imwe cheteyo yokunyora kunyora mutauro wakafanana. Kugona kuverenga nekunyora kunonzi literate.

Kunyora kunosiyana nekutaura nekuti vaverengi havafanire kunge varipo panguva iyoyo. Tinogona kuverenga zvinyorwa zvekare, uye zvinyorwa zvinobva kumativi akasiyana pasirose. Zvichengetedzwa zvezvinyorwa ne zvikurukurwo zveruzivo. Kunyora ndechimwe chezvigadzirwa zvikuru zverudzi rwevanhu. Yakagadzirwa mushure mekunge vanhu vagara mumataundi, uye mushure mekutanga kurima. Mazuva ekunyora kubva kumakore angangoita 3,300BC, makore anopfuura 5000 apfuura, kuMabvazuva ePakati.

Kunyora nhasi kunowanzo kuve pabepa, kunyangwe paine nzira dzekudhinda pane chero nzvimbo. Terevhizheni ne zvikirini zvemafirimu zvinokwanisawo kuratidza kunyora, uye ndizvo zvinogona kuita zvemakombiyuta. Zvinhu zvakawanda zvokunyora zvakagadzirwa kare kare mapepa asati avapo. Rondo, nhokwe (papyrus), rukuni, slate ne dehwe (matehwe emhuka akagadzirwa) zvese zvakashandiswa. Varoma vainyora pamahwendefa ane wakisi nechinyoreso chakapinza; izvi zvakakurumbira kune zvinyorwa zvenguva pfupi uye mameseji. Kugadzirwa kwebepa kwakazoitwa nemaChichayina raive danho rakakura kumberi.

Kunyora kunogaroitwa pachishandiswa chishandiso chemaoko sepenzura, karamu, kana bhurasho. Zvizhinji uye zvakanyanya, zvisinei, zvinyorwa zvinogadzirwa nekupinza pakhibhodhi yekombiyuta.

Mhando ye kunyora

Mhando yeZvinyorwa

N'wadhi (Nwadhi)

N'wadhi kana Nwadhi (Book), kana Bhuku shoko rinobva kuChingezi.

Munhu anonyora kana kunwara (shoko rekare) zvinwadhi anonzi munyori kana munwari (writer).

Nyayatsva (novheri)

Nyayatsva ishoko ririkushandiswa kumirira shoko rinogona kunzi Novheri (novel), vambo (etymology) rezita iri rinosanganisa mashoko maviri: nyaya (story), tsva (new) kubva kushoko reChiratini novella (new story; new news)

Bepa nePeji

Bepa ishoko rinobva kuChirungu zvekare, uye rinomirira shoko rekuti paper muChirungu.

Uye shoko rekuti peji rinomiria rinonzi page muChirungu, uye rinobva futi kuchirungu chacho.

Mwamwe mashoko

Tsamba

Tsamba kana mwadhi ishoko rinoshandiswa muSitandadhi Shona kumirira chinonzi 'letter' muChirungu. Muchinyakare cheVashona vakange vasina shoko reku siyanisa nwadhi ne tsamba (that is a letter and a book or page), zvese zvainzi nwadhi kana tsamba. Shoko reChirungu ndiro rinowanzo shandiswa kuti 'book', kwete N'wadhi asi vamwe vanorishandisa.

Skiriputi (Keruro; Chinyorwa)

Keruro kana skiriputi kubva kuChirungu, ishoko rinomirira shoko rekuti script muChirungu. Nzira yeku sika keruro inonzi kukerura (scripting; writing) uye kunyora.

Chinembo

Nembo kana Chinembo ishoko rinomirira shoko reChirungu rekuti 'notes', uye nzira yekunyora chinembo inogona kunzi kunemba (noting; note taking) kana kunyora.

Gwaro

Iri shoko rinomirira chinonzi muChingezi 'document', uye nzira yekunyorwa Gwaro rinonzi kugwara (documenting; scribing) rimwe shoko rekuti kunyora. Mugwari munhu ndiye munhu anonyorwa rugwaro, muChirungu anonzi documenter (kana achinyora ma-documents uye scribe (munhu anoita zveku-scriber).

Nhetembo

Nhetembo ishoko rinomira chinonzi poems; poems muChirungu, shoko rekuti nemba rinogona kunge rakasikwa richienderana nekunyora nhetembo. Munhu anoita zvenhetembo anonzi nyanduri (poet)

Tsaranziyo

Tsaranziyo (lyrics) uye tsararwiyo (lyric) mashoko anotsangura mashoko kana nhetembo kana nyaya inoyimbwa munziyo, mumimhanzi.

Chitarwa

Chitarwa kana Zvitarwa mashoko anomirira chinzo 'drawing; drawings'. Kutara (to draw; drawing).

Mutsetse

Lines

Bharabhara (taratadza)

Scribbling; scribbles

Mitauro yeAfrika