Mari

Mari (money in English) inzira yekupima nayo hukoshi hwezvinhu zvinotengeseranwa zvinosanganisira, nhumbi, mhuka, mudziyo, basa, hushumiri nezvimwewo zvinotengwa nemuripo wemari. Makarekare vanhu vaitengeserana vachipanana zvinhu zvacho chaizvo zvinodiwa, sokuti aive nechibage aikwanisa kuripa vamushandira kumunda nechibage chakare.

Nokufamba kwenguva vanhu vakatanga kutenga nemari yaigadzirwa nesimbi kana nezvimwe zvishongo zvaikosheswa panguva iyoyo. apkushanda kwemari, chinhu chinopiwa hukoshi hunoenderana nehuremu uye basa rakashandwa kuti chinhu ichi chivepo. Mutengo unotarwawo zvichienderana nekuti chinhu ichi chinowanikwa kana kushayika zvakadii.

Mamwe Mazita emari ndiwo anoti: mbong'o, shagi, mashereni.

Kubatwa nekurongwa kwemashandisirwo emari kunonzi Muduso - muZimbabwe Tendai Biti ndiye gurukota rinowona nezveMuduso - inonzi Finance kuEnglish.

Nhoroondo

Mamwe Mazwi

Tsika

Tsumo

Mitauro yeAfrika