Mbeu (seed) inhengo yedzinde inokura pane ruva mumadzinde mazhinji inova ndiyo inomera kana ichinge yadyarwa muvhu pane mvura. Apo mbeu inotanga kunyuka kubva muvhu mayakadyarwa inonzi iri kumera.

Shoko rokuti mhodzi rinoshandiswa kureva mbeu dzemichero inowanikwa kumunda yakaita semanhanga, manwiwa, mapudzi uyewo iyo inowanikwa mumiti semagwavha, mamango, maapuri, munhondo. Izwi iri rinoshanda kana mbeu dziri mukati memuchero uye dzichiwanikwa dzakawanda mumuchero umwe.

Mamwe Mazwi

Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura.

Mashoko Anotodzana

Mashoko okuti chipande kana mubandirwa angagona kuzoshanda kuturikira chinonzi capital kuEnglish - apa kureva mari yekuvamba bhizinisi.

Kurerutsa Mutauro

Mitauro yeBantu