![](https://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/b/b2/StateLibQld_1_187847_Biggs%27_golden_wedding_anniversary%2C_19_August_1912.jpg/250px-StateLibQld_1_187847_Biggs%27_golden_wedding_anniversary%2C_19_August_1912.jpg)
Shoko rokuti mhuri (family in English) rinoreva vanhu vane ukama hweropa vanoti: baba, amai; vana vavo; sekuru naambuya vakabereka baba; vakoma nevanin'ina vababa; hanzvadzi dzababa zvichingodaro.
- Mune kumwe kutaura mazwi anoti imba namhatso anoshandiswawo zvakare kureva mhuri. Sokuti imba yaChangamire yakatonga makore anoda kusvika makumi mana.
Vanhu vemhuri imwe vanowanza kunge vachishandisa zita remhuri rakafanana. MuZimbabwe vanhu vemhuri imwe vane mutupo wakafanana.
Mhuri yakakura inotaurwa ichinzi buri.
- Nhundu (A family and its belongings) apa kureva mhuri nenhumbi dzayo. KuChiChewa mtundu zvinoreva kind, tribe.
- Mubereki kana mubari munch angava murume kana mukadzi akabereka mwana.
- Dungwe (whole lineage from first ancestor until now).
- Mapanze kana mabvumwa (quickness of human growth). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mapanzure.
- Vatevedzani, ana budandibudewo kana varumudzani (children born one after the other).
Tsika
Govero kana magovero (1. Family name; 2. Stock of common descent). Zita rake rokuzvarwa regovero ndiMudzingwa: his chidao is Mudzingwa.