Izwi rokuti mukondombera rinoreva pandemic kana chirwere chakatekeshera. AIDS muenzaniso wechirwere chakatekeshera - saka pakutaurwa tinofanira kuti Mukondombera weAIDS nokuti kunokwanisa kuita mukondombera wechimwewo chirwere. Mazuvano vanhu vazhinji vanokanganisika vachifunga kuti zvinoreva chirwere che HIV-Aids. Izvi zvaka tangira apo muimbi Thomas Mapfumo akaimba kambo kake kainzi mukondombera kanova ndiko kakaita kuti izwi iri riite mukurumbira.

Mukondombera weAIDS

Zvino notaura kurwara nezvirwere zvakasiyana-siyana kunoonekwa mushure mekunge masoja anodzivirira kurwara kwemumuviri aparadzwa neutachiona hweHIV. Saka mukondombera hachisiri chirwere chimwe asi izita rinotsanangura mamiriro ekunge muviri usisakwanise kuzvidzivirira kubva kuchitsama chezvirwere mushure mekunge utachiona hweHIV hwatekeshera mumuviri wemunhu. Mukondombera unowanzovapo kwapera makore akati kuti munhu atapukirwa neutachiona hweHIV.

Chii chinonzi HIV

HIV hutachiona hunoparadza hudzivisi hwezvirwere pamuviri wemunhu. HIV hutachiona hunokonzera Mukondombera - kana kuti AIDS. Hutachiona uhwu hwunoparadza masoja anorwisa zvirwere zvakasiyana - siyana mumuviri wemunhu. Izvi zvinoita kuti munhu ane utachiona arambe achirwara - rwara kusvikira ave nemukondombera.

Pari nhasi (April 2013) hakuna mushonga unorapa Mukondombera. Kune mishonga yakasiyana siyana inoshandiswa kudzivisa kutekeshera kwehutachiona hunokonzera mukondomera asi denda iri rinoramba ririmo mumuviri.

Kupararira kwehutachiona

lHutachiona hunowanikwa mumvura dzemumuviri dzakaita seropa nemvura dzinobuda kana vanhu vachiita zvepabonde (mumbeu yababa nemumvura dzinobuda munhengo yemunhukadzi kana pachiitwa zvepabonde). Unowanikwa zvakare mumukaka waamai. Hutachiona uhwu hunowanzoparadzirika nenzira dzinotevera:

MuZimbabwe ropa rose rinoshandiswa muzvipatara rinovhenekwa kuti harina HIV here risati rapiwa kumurwere. Kana rikaonekwa rine utachiona uhwu harizomboshandiswa muvarwere vanoda kuwedzerwa ropa. Hutachiona hwe HIV hauparadzirwe ne:

Kuturikira Mashoko

AIDS - Acquired Immune Deficiency Syndrome.

Mitauro yeBantu