Minwe ndidzo nhengo dziri kunoperera mawoko dzatinoshandisa kubata nadzo zvinhu. Munhu ane minwe gumi. Mamwe mazita: chinwe, chigunwe, zvinwe kana zvigunwe.

Shoko rokuti chitupa (1. Finger mark; 2 Thumbprint) rinotaura mudhindo weminwe unotorwa kana munhu achitsikisa chitupa. Vamwe vatauri vanodana mudhindo uyu kuti ruchiva kana ruchivo.

Pfundo kana fundo (joint of finger).

Mazita eminwe

Chara (thumb) ndiwo munwe mupfupi mukobvu unopfumbana nemimwe minwe yose. Kana munhu akabata mupinyi webadza, chara chinopoterera nedivi racho chega. Chara chinshandiswa kutswanya sekutaura kwetsumo inoti: Chara chimwe hachitswanyi inda. Pahuwandu toti zvara

Munongedzi, muchimbo, chitendeko, mutendeka kana kuti Mutendeki (index or pointing finger) ndicho chigunwe chinotevedzana nechara chinova ndicho chinoshandiswa kunongedza.

Kasiyanwa' karavi, karava kana munwana (pinky finger) ndiwo munwe mudukusa uri kune rimwe divi rakapesana nechara. Kukwenya munho nekasiyanwa kunotaurwa apo munhu anenge achiita tarisiro rokuti ave nerombo rakanaka pane chaakamirira kuti chiitike.

Kurerutsa Mutauro

Tsumo

Mitauro yeBantu