Murongazuva (Mars),
Rovha iri paMuronguzuva

Murongazuva kana Mrongazuva (ku Chingezi: Mars; chikwangwani: ♂) izita reChindeya chiri mumutandiro we mushana wedu, mugharaksi re Gwararezhou[1] Murongazuva ndiyo chindeya chechina kubva kuzuva uye ndiro chindeya chipiri chidiki mumutandiro wemushana, ihombe kudarika Nyamatsatse.

Mu Chirungu, Murongazuva inotakura zita remwari wehondo weMaroma, uye inowanzonzi "chindeya chitsvuku" .[2] Chizita chayo chekunzi chindeya chitsvuku rakatumidzwa nekuda kweOkisaidhi simbi (metal oxide) yakapararira pameso paMurongazuva, inoipa chitarisiko chitsvuku chakasiyana pakati pemitumbi rekuongorora nyeredzi inoonekwa neziso rakashama.[3]

Murongazuva rineguruva, rinotonhora, uye chindeya cherenje chine mhepo yakatetepa kwazvo. Zvakare raive chindeya chine simba ine mwaka, mapolar ice cap, makhanyoni (canyons), makwatamambwe asisipo, uye humbowo hwekuti yainyanya kushanda munguva yakapfuura.[4] Murongazuva ndiyo imwe yemitumbi yakatsvagwa zvakanyanya muMutandiro weMushana, uye ndiyo yega nyika yatakatumira marhovha (rovers) kutenderera nyika yevatorwa.[4]

Zita

Mashona

Murongazuva ane marevo akasiyana zvichienderana nekuda kwekuti mumwe munhu anokodza sei zita racho. Marevo ezita ari sezvaakanyorwa pazasi:

Shoko rekuti 'set' richimira kusarudza maendero ezuva (day kana sun).

Vamwe Vanhu

MuChiarabhu Murongazuva ndi مريخ mirrīkh. Zita iri rinoreva kuti "moto" - inoshandiswa sezita rechindeya muChiperusiya (Persia), (Mareekh) muChiudhu, (Marikh) Muchimalay uye (Mirihi) MuChiswahili[5].

MuChichayina Murongazuva ndi火星 Huǒxīng. Zvichireva kuti "nyenyedzi yemoto" - zita iri rinoshandiswa muChikoriya, Chijapani neVhietinamisi.

MuIndiya zita reMurongazuva vanoshandisa shoko reChisanskriti rekuti Mangal rakabva kuna mwarikadzi wechiHindu anonzi Mangala. Izita rakareba remadunhurirwa rekuti Murongazuva, ndiro "Chindeya chitsvuku".

MuchiHebheru Murongazuva ndi מאדים ma'adim, shoko rinotorwa kubva ku אדום adom, zvinoreva kuti 'tsvuku'.

MuChiratini chindeya chekare chainzi Māvors (/ ˈmeɪvɔːrz /) chinoonekwa, asi chinonyanya kushomeka. MuChirungu, asi zvipikisheni Mavortial neMavortian zvichireva 'kurwa' muchiuto pane kuita kwechindeya.

Taridziko

Murongazuva ingangoita hafu yehupamhi hweRinopasi, ine nzvimbo yepamusoro zvishoma shoma pane iyo yakazara nzvimbo yeRinopasi pakaoma.[6] Murongaziva haina kuenzana kupfuura Rinopasi, iine zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zveRinopasi uye 11% yehuremu hweRinopasi, zvichikonzera inosvika makumi matatu nemasere muzana yepasi pevhu. Kuonekwa kutsvuku-ranjisi kwenzvimbo yeMartian kunokonzerwa neayoni (III) okisaidhi (oxide), kana ngura.[7] Inogona kutaridzika kunge bhataskochi (butterscotch), mamwe mavara epasi anowanikwa anosanganisira Ndarama kana goridhe, mbise, teni (tan), uye karuvara kezerere, zvinoenderana zvicherwa zviripo.

MuchiBantu

Mitauro yeZimbabwe

Chivanhu | Chishona

Chisotho | Sesotho

Chitswana | Setswana

Chitsonga | Xitsonga

Mimwe mitauro yeChiBantu

Chiswahili | Kiswahili

Chizulu | Isizulu

Mabviro eruzivo

  1. Vashona, 30 Chikunguru 2021, 'Murongazuva', Dictionary. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
  2. Zubrin, Robert; Wagner, Richard (1997). The Case for Mars: The Plan to Settle the Red Planet and Why We Must. New York: Touchstone. ISBN 978-0-684-83550-1. OCLC 489144963.
  3. Rees, Martin J., ed. (October 2012). Universe: The Definitive Visual Guide. New York: Dorling Kindersley. pp. 160–161. ISBN 978-0-7566-9841-6.
  4. 4.0 4.1 Nasa, (20 Chivabvu 2021), 'Murongazuva', overview. Yakatariswa: 7 Chikumi 2021
  5. 5.0 5.1 sw:wiki contributors, (4 Gunyana 2020), 'Sayari',Sayari za jua letu. Yakatariswa: 7 Chikumi 2021
  6. Williams, David R. (1 September 2004). "Mars Fact Sheet". National Space Science Data Center. NASA. Archived from the original on 12 June 2010. Retrieved 24 June 2006
  7. Peplow, Mark (6 May 2004). "How Mars got its rust". Nature: news040503–6. doi:10.1038/news040503-6. Retrieved 10 March2007.
  8. 8.0 8.1 8.2 Bomar S, 2010, 'Mazita ezvindeya mumitauro yese', Copyright: Attribution Non-Commercial (BY-NC) Yakatariswa: 7 Chikumi 2021
  9. sn:wiki contributors, (6 Chikumi 2021), 'Chindeya', Mazita eZvindeya MuChiBantu. Yakatariswa: 7 Chikumi 2021