Mwedzi (chikwangwani: ; Chirungu: moon) mutumbi uri muchadenga unopoterera Rinopasi kamwe pamazuva makumi maviri nemanomwe (28). Mwedzi une boterekwa rinopoterera rinopasi uchiita dendera rimwe (1) pamazuva 28.
Mhindo (last quarter) – aya mazuva gumi okupedzesera panhevedzwa dzemwedzi. Mwedzi waenda kumhindo: the moon is waning. Pamazuva echiseremkusvika rechipfumbamwe pamhindo anonzi mwedzi wafa.
Kudzikatidzwa kwemwedzi (eclipse of the Moon) zvinoreva kuvhariridzwa kwemwedzi kunoitika kana zuva, Rinopasi, nemwedzi zvanangana zviri pamutsetse wakati twasa; apa Rinopasi rinenge riri pakati pezuva nemwedzi. Chinoitika ndechekuti mwedzi unenge usisa tambire chiedza chinobva kuzuva, chinova icho chinoonekwa sechadzera pakupenya kwemwedzi manheru. Kana zvadaro mwedzi unoenda murima kwechinguvana, kusvika mitumbi mitatu iyi yapesana pasisina kuvharidzirwa kwechiedza chinobva kuzuva chinoita chadzera chinopenyesa mwedzi.