Nguva (nge. time, duration) kana nguwa ienderero ye chamuteverano che vuzima uye zviitiko zvinoitika murondo rwusingakunukudzwe kubva murukare, muruzvino uye muramangwana. Chisanganiswa chehuwandu hwe zvipimo zvakasiyana zvinoshandiswa kutevedza zviitiko, kuenzanisa nguva-inotorwa ye zviitiko kana maindavhoro aripakati pawo, uye kukwandifaya rheti ye shanduko ye huwandu hwemumtumbi pavudi kana murupepuko rwe itiko. Nguva inowanzo dudzwa se utandu una, pamwe ne utandu unhatu we chadenga.

Nguva yagarisa iri nhauro yakakosha ye kudzidza muchinamato, ugondamano uye sainzi, asi kuipa chirevo munzira inopinda mundimafundo dzose pasina chirevo chinozivikwana kwakakonzera kukanganisa vafundi (maskola). Zvakadaro, ndimafundo dzakasiyana senge bhizimusi, hushangazhi, maspoti, masainzi, uye zviseza zvokupefoma zvinosanganisa nosheni yenguva mumitandira ye kupima yazvo.

Nguva inopimwa nezviyero zvinonzi: chepiri (s), mhindi (mhin), rinhambo (nh). Musi umwe une mamanhambo makumi maviri nemana (24 hr). Rinhambo rimwe rine makumi matanhatu emhindi. Mhindi rimwe rine makumi matanhatu echepiri.

Nguva ye Chishona

nguva pa wachi Chishona nguva pa wachi Chishona Nguva pa wachi (inogona kuva iyi futi)
Kuseniseni
4:00am – 4:59am mambamkwedza; mashambanzou ante meridiem; AM kuseni (ksn) 4:00ksn – 4:59ksn
5:00am – 5:59am runyanhiriri; mafuramhembwe kumashure kwemasikati mm?; km? 5:00ksn – 5:59ksn
Mangwanani
6:00am – 9:59am rudziyamushana; rudziyakamwe 6:00ksn – 9:59ksn
10:00am – 11:59am rurovanhongonya 10:00ksn – 11:59ksn
Masikati
12:00pm – 14:59pm masikati post meridiem; PM msk (masikati) 12:00msk – 14:59msk
15:00pm – 16:59pm madeukira [madekwana] 15:00msk – 16:59msk
Madeko
17:00pm – 17:59pm rukunzvikunzvi mdk (madekwa) 17:00mdk – 17:59mdk
18:00pm – 18:59pm rufuramhembwe [manhoko] mnh (manheru) 18:00mdk – 18:59mdk
Manheru
19:00pm – 19:59pm ruvhunzavaeni 19:00mdk – 19:59mdk
Usiku
20:00pm – 3:59am usiku 20:00mdk – 3:59ksn

Nguva dze mangwanani

Nguva dze masikati

Kuwerenga nguva

Rinhambo / Awa

Nhambo irimwe shoko reShona rinoreva kunguva, rinoshandiswa kutaura zvikamu zvenguva, kana tichitodza Chingezi tinoti awa.

Mamhindi / Mamineti

Mhindi ishoko rechishona rinoreva nguva pfupi, uye nekumwe kutaura tinoti mineti zve tichitodza Chingezi.

Zvepiri / Masekondi

Chepiri ndiro shoko rinoshandiswa kureva masekondi kuChishona, nekumwe kutaura tinoti Chinguva.

Zvidimbu / Hafu

Chidimbu zvinoreva chikamu kana chikamu chepakati neChishona, nepamusaka pekushandisa Chingezi vanhu vanoti hafu zve.

Zvipandi / Kota

Chipandi[1] ishoko rechishona rinozvikamu zvina, kana kota tichitodza Chingezi pekare.

Zvinyorwa zve chidzidzo

Mwero wenguva

Kurerutsa Mutauro

Tsumo

Mashoko ashandiswa

chamuteverano (sequence) itiko (experience, qualia) ndimafundo (field of study)
mtumbi pavudi (material reality) utandu una (fourth dimension)
indavhoro (interval) utandu utatu we chadenga (three-dimensional space)
rupepuko (conscious) chadenga (space)

Mitauro ye Chibantu

Mabviro eruzivo:

  1. Vashona Project, (2019), 'chipandi'