Huku (chicken in English) ishiri inopfuyiwa pamba inowanikwa Pasirose. kune mhando zhinji dzehuku dzinochengeterwa kuita mazai uye kudyiwa nyama yadzo. Mwana wehuku anonzi nhiyo.

Nhunzvi yehuku inodanwa kunzi mhambo kana kuti tseketse, apa kureva huku hadzi yakambokandira mazai ikaita nhiyo.

Tsika

Tsumo - Machongwe maviri haakukuridze pamutanda mumwe.

Nyama yehuku kudya kunonaka; huku ndiyo nyama yokuti kana vaenzi vasvika inobayiwa kuchifarirwa vaenzi. Huku dzinokurumidza kuwanda sechifuyo pamba.

Kurerutsa Mutauro

Tsumo

Mitauro yeAfrika