Kupfura simbi zvinoreva kushanda nesimbi ichirohwa nenyundo kana chimwe chinhu chinorema nechinangwa chokuti simbi iyi ive nechiumwa chiri kudikanwa nemupfuri. Vanopfura vanokwanisa kunge vari kugadzira zvinotevera: pfumo; demo; badza; mbezo; museve; muromo wegejo kana dzimwewo simbi dzinopfurwa muhushangazhi mazuva ano.

Zisimbi rinogadzikwa pasi rinoshaniswa nemupfuri paanorova simbi dzake nenyundo rinonzi nhera kana ndudzo - anvil.

Mamwe Mazwi

Chido kana chisindi zvinoreva chikamu chebhaera panosangana mweya uri kubva kumvuto nemoto uri kubvira - kuEnglish ingava ndiyo tuyere.. Vamwe vatauri vanoti nzvimbo inoshandira mupfuri (workshop) inonzi chido zvakare. Apa panoda kujekeswa kuti ndechipi chokwadi.

Mazwi eBantu