Sadza nemuriwo

Sadza (corn meal mush) ndicho chokudya chikuru muZimbabwe chinobva muchibage chakagaiwa chotipa hupfu uhwo hunozobikiswa sadza racho. Sadza rinogona kubikwa nehupfu hwezviyo. Kana rabikwa kudai rinenge ravakunzi sadza rezviyo. Rimwe izwi rinoreva sadza asizve richitaridza kukosha kwesadza muupenyu hweVaShona nderinoti jenamuponesi.

Midziyo Nezvinhu Zvinoshandiswa Kubika Sadza

  1. Hari, shambakodzi
  2. Musika
  3. Mugoti
  4. Mapfihwa
  5. choto
  6. Huni
  7. Moto
  8. Ndiro
  9. Chibhako

Zvidyiwa Zvinodiwa Pakubika Sadza

  1. Hupfu hwechibage kana kuti hwezviyo
  2. Mvura inoenderana nehuwandu hwesadza rinodiwa pakudya
  3. Usavi: nyama, madomasi, nemurivo. Mirivo inosanganisira chemberedzagumhana, tsunga, muboora, munyevhe ne covo.
  4. Zvekurunga usavi: munyu

Mabikirwo eSadza Rechibage

Chekutanga kukwatisa mvura mupoto yesadza kana yakwata unoisa hupfu hwakafanira mukomichi kana mundiro wosanganisa nemvura yakatonhora wokurunga.Wadaro unozvidira mupoto yesadza wokurunga nemugoti kusvikira zvakwata.Kana zvakwata unombozvisiya kwechinguva zviri pamoto.Wadaro unotora hupfu hwako uchiisa mupoto yesadza uchibika nemugoti kusvikira hupfu hwako hwanyatsobatana.Wadaro unotora mugoti womona uchiitira kuti sadza risave nemapundu.Unogona kumborisiya kwechinguva kuti rinyatsoyibva.Wapedza kudaro unotora mugoti womona wochipakurira vanhu .

Mabikirwo eSadza Rezviyo

Mabikiro eSadza Emazuvano

Nhepfenyuro yedzimudzangara yeZBC yaimbova nechirongwa chaikurudzira vateereri kuti vatumire zvinyogwa zvinodunzira mabikiro esadza emazuvano.

Imwe nzira yakabuda pachirongwa ichi ndeyekuti apo sadza richikwata, mubiki anobva aisa cheese yakaitwa mafufu. Mubiki anobva akodzonga kuti cheese inyungudike yobva yavhenga nesadza rinokwata. Mushure mekuita izvi, mubiki anobva abika sadza semabikiro atinongoriita anozivikanwa nemubiki wese. Sadza rinobuda apa rinonaka chaizvo!

Zvivakamuviri Zvinowanikwa Musadza

  1. Zvipasimba (energy)
  2. Shuga (carbohydrates)
  3. Mafuta (fats)
  4. Zvivakanyama (Protein)
  5. Imvu rinodiwa kuvaka muviri (dietary minerals):
    1. Zvivakamakodo (Calcium),
    2. Simbi inowedzera ropa (zviparopa) (iron)

Tsika

Tsumo

Mitauro yeBantu