Sadza (corn meal mush) ndicho chokudya chikuru muZimbabwe chinobva muchibage chakagaiwa chotipa hupfu uhwo hunozobikiswa sadza racho. Sadza rinogona kubikwa nehupfu hwezviyo. Kana rabikwa kudai rinenge ravakunzi sadza rezviyo. Rimwe izwi rinoreva sadza asizve richitaridza kukosha kwesadza muupenyu hweVaShona nderinoti jenamuponesi.
Chekutanga kukwatisa mvura mupoto yesadza kana yakwata unoisa hupfu hwakafanira mukomichi kana mundiro wosanganisa nemvura yakatonhora wokurunga.Wadaro unozvidira mupoto yesadza wokurunga nemugoti kusvikira zvakwata.Kana zvakwata unombozvisiya kwechinguva zviri pamoto.Wadaro unotora hupfu hwako uchiisa mupoto yesadza uchibika nemugoti kusvikira hupfu hwako hwanyatsobatana.Wadaro unotora mugoti womona uchiitira kuti sadza risave nemapundu.Unogona kumborisiya kwechinguva kuti rinyatsoyibva.Wapedza kudaro unotora mugoti womona wochipakurira vanhu .
Nhepfenyuro yedzimudzangara yeZBC yaimbova nechirongwa chaikurudzira vateereri kuti vatumire zvinyogwa zvinodunzira mabikiro esadza emazuvano.
Imwe nzira yakabuda pachirongwa ichi ndeyekuti apo sadza richikwata, mubiki anobva aisa cheese yakaitwa mafufu. Mubiki anobva akodzonga kuti cheese inyungudike yobva yavhenga nesadza rinokwata. Mushure mekuita izvi, mubiki anobva abika sadza semabikiro atinongoriita anozivikanwa nemubiki wese. Sadza rinobuda apa rinonaka chaizvo!