![](https://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/3/36/Sami_clothing_2.JPG/200px-Sami_clothing_2.JPG)
Zvipfeko zvinhu zvinorukwa zvichishandiswa kuvhara muviri wemunhu. Vanhu vanosimira zvipfeko nezvikonzero zvakasiyana zvinoti:
- Kupa muviri chiremera nokuti zvinonyadzisa kufamba munhu ari musvo.
- Kushongedza muviri zvichiratidzawo hupfumi hwemunhu netsika dzaanokoshesa.
- Kuvhara muvhiri kuti udziyirwe.
- Kudzivirira kukuvadzwa kwemuviri kana munhu ari kuita mabasa akarema.
- Kupfeka semucherechedzo wemhemberero dzakasiyanasiyana.
- Kana chipfeko chichinzi chinonjenjemera kureva kuti chinowonesa zviri mukati - see through, sheer, transparent.
- Mutambariko, mutambiko, mutariro kana mutariko (line stretched between poles for hanging things e.g. clothes).
Mucheno
Shoko rokuti kupuvira kana kupurira rinoreva kuita chinhu nomutowo wakapfurikidza mwero wakaterama. Apa chiri kuitwa chingava: kupfeka mbatya dzakanakisa pamucheno; kukaringa kana kurunga chokudya chabikwa; huwandu zvezvinhu zvaunzwa kana kutengwa , zvichingodaro.
- Mbuya vaChido vanga vakaita mucheno wokupurira pamuchato wemuzukuru wavo.
- Gamuchirai akapuvira dovi mubota raakabikira Sekuru.
- Kushonga (dress infine clothes).
- Kupfekedza, kusimidza (to dress someone else).
- Kupfeka, kufuka, kusimira (to dress oneself).
- Kupfekenura, kukutunura, apa kureva kubvisa mbatya.
- Kushandika, kushandura (to have inside out) apa kureva kupindurudza.
- Kubvumbuka (to be worn thin, to be easily torn).
- Kunema (smart, dressy and so perhaps to be vain as to one's appearance).